1 Corinthians 3

Kubata nevadzidzisi

1Zvino ini, hama, ndakange ndisingagoni kutaura nemwi sekune veMweya, asi sekune venyama, sekune vacheche muna Kristu. 2Ndakakunwisai mukaka, uye kwete kudya kukukutu; nokuti makange musati mogona kudya, asi naikozvino hamusati mogona; 3nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava nekupatsanurana, hamusi venyama, muchifamba zvinoenderana nemunhu here? 4Nokuti kana umwe achiti: Ini ndiri waPauro, neumwe achiti: Ini waAporo, hamusi venyama here? 5Ko Pauro chii, naAporo chii, asi vabati vamakatenda kubudikidza navo, Ishe sezvaanopawo umwe neumwe? 6Ini ndakadzvara, Aporo wakadiridza, asi Mwari wakakurisa. 7Naizvozvo anodzvara haasi chinhu, kana anodiridza, asi Mwari anokudza. 8Zvino anodzvara neanodiridza ndevamwe; asi umwe neumwe achagamuchira mubairo wake zvichienderana nebasa rake. 9Nokuti tiri vashandi vaMwari pamwe naye; muri munda waMwari, chivakwa chaMwari.

Tembere yaMwari

10Zvichienderana nenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri, semuvaki nyanzvi wakachenjera ndakaronga nheyo, uye umwe anovaka pamusoro payo. Asi umwe neumwe ngaachenjerere kuti anovaka sei pamusoro payo. 11Nokuti hakuna umwe anogona kuisa imwe nheyo kunze kweiyo yakaiswa, inova Jesu Kristu. 12Zvino kana umwe achivaka pamusoro penheyo iyi, goridhe, sirivheri, mabwe anokosha, matanda, uswa, mashanga, 13basa reumwe neumwe richaratidzwa; nokuti zuva richazvibudisa pachena, nokuti richazarurwa mumoto; uye moto uchaidza basa reumwe neumwe kuti rakadini. 14Kana basa raani nani raakavaka pamusoro payo richigara, achagamuchira mubairo. 15Kana basa raani nani richizopiswa, acharasikirwa; asi iye amene achaponeswa, asi saizvozvo sewakabuda nemumoto. 16Hamuzivi here kuti muri tembere yaMwari, uye Mweya waMwari unogara mamuri? 17Kana ani nani achiparadza tembere yaMwari, Mwari achamuparadza iye; nokuti tembere yaMwari itsvene, yamuri imwi. 18Ngakurege kuva neanozvinyengera; kana umwe pakati penyu achifunga kuti wakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera. 19Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Anobata vakachenjera paumhare hwavo; 20uyezve: Ishe anoziva ndangariro dzevakachenjera, kuti hadzina maturo. 21Naizvozvo ngakurege kuva neanozvikudza nevanhu; nokuti zvinhu zvese ndezvenyu, 22kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvinouya; zvese ndezvenyu, 23uye imwi muri vaKristu, naKristu ndewaMwari.

Copyright information for Shona